Idzi ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehovha kuti aedze vaIsraeri vaya vose vakanga vasina kumboziva kana hondo ipi zvayo muKenani, (akaita izvi bedzi kuti adzidzise zvehondo kuzvizvarwa zvavaIsraeri izvo zvakanga zvisina kumborwa hondo): vatongi vashanu vavaFiristia, vaKenani vose, vaSidhoni, uye vaHivhi vaigara mumakomo eRebhanoni kubva paGomo reBhaari Herimoni kusvikira kuRebho Hamati. Vakasiyiwa kuti vaedze vaIsraeri kuti aone kana vaizoteerera mirayiro yaJehovha, yaakanga apa madzitateguru avo kubudikidza naMozisi. VaIsraeri vakagara pakati pavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. Vakatora vanasikana vavo kuti vave vakadzi vavo uye vakapa vanasikana vavowo kuvanakomana vavo, uye vakashumira vamwari vavo.
Verenga chikamu Vatongi 3
Terera ku Vatongi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 3:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo