Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 3:1-6

Vatongi 3:1-6 SNA2002

Zvino ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehovha, kuti aidze vaIsiraeri nadzo, ivo vaIsiraeri vose vakanga vasina kuziva hondo dzose dzapaKenani; nemhaka iyo bedzi kuti marudzi avana vaIsiraeri azive, kuti avadzidzise kurwa, ivo vasina kumboziva izvozvo pakutanga; vaiti: Madzishe mashanu avaFirisitia, navaKenani vose, navaZidhoni, navaHivhi, vakanga vagere mugomo reRebhanoni, kubva pagomo reBhaariherimoni, kusvikira pavanopinda paHamati. Ivo vakasiyiwapo, kuti vaIsiraeri vaidzwe navo, kuti kuzikanwe kana vachida kuteerera mirairo yaJehovha yaakanga araira madzibaba avo naMosesi. Vana vaIsiraeri vakagara pakati pavaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerizi, navaHivhi, navaJebhusi. Ivo vakawana vakunda vavo, kuti vave vakadzi vavo, vakapa vanakomana vavo vakunda vavo, vakashumira vamwari vavo.

Verenga chikamu Vatongi 3