Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka. Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro. Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi achigumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose. Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingaiti upombwe asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro. Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko
Verenga chikamu Jakobho 2
Terera ku Jakobho 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jakobho 2:8-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo