Asi zvino kana muchizadzisa murayiro woushe, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ida wokwako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka. Asi kana muchitenda zvinoonekwa zvomunhu, munoita zvivi, munopiwa mhosva nomurayiro, muchinzi vadariki. Nokuti munhu unochengeta murayiro wose, akagumburwa kune chinhu chimwechete, wava nemhosva kunezvose. Nokuti iye, akati, “Usaita upombwe, ndiyewo,” akati, “Usauraya.” Zvino, kana asingaiti upombwe, asi achiuraya, wava mudariki womurayiro. Taurai, uye itai savanhu vanozotongwa nomurayiro wokusunungurwa.
Verenga chikamu Jakobho 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jakobho 2:8-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo