Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 64:1-4

Isaya 64:1-4 BDSC

Haiwa, dai maibvarura matenga mukaburuka pasi, kuti makomo adedere pamberi penyu! Sezvinoita moto paunopisa tsotso uchiita kuti mvura ivire, burukai muzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu, uye muite kuti ndudzi dzidedere pamberi penyu! Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira, makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu. Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa, hakuna nzeve yakanzwisisa, hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu, anobatsira avo vanomumirira.