Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 64:1-4

Isaya 64:1-4 SCLB

Dai mabvurura matenga mukaburuka pasi pano, makomo angandengendeke nokuvapo kwenyu imi, sokubvira kunoita tsotso, sokufashaidza mvura kunoita moto kuti zita renyu rizivikanwe nevavengi venyu, marudzi adedere pamusana pokuvapo kwenyu. Inga wani makaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisingatarisiri. Makaburuka pasi makomo akandengendeka pamusana pokuvapo kwenyu. Kubvira pasichigare hazvina kumbonzwika kana kupinda munhu munzeve kunyange ziso zvaro rati ramboona mumwe Mwari kunze kwenyu imimi, anoitira zvakadai vanotarisira kwaari.

Verenga chikamu Isaya 64