Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 56:3-7

Isaya 56:3-7 BDSC

Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.” Uye nomuyunaki ngaarege kugununʼuna achiti, “Ndinongova zvangu muti wakaoma.” Nokuti zvanzi naJehovha: “Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu, vanosarudza zvinondifadza, uye vanobatirira pasungano yangu, kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo, chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi. Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha kuti vamushumire, kuti vade zita raJehovha, uye vamunamate, vose vanochengeta Sabata vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu, ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera. Zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose.”