Mutorwa akanamatira Jehovha, ngaarege kutaura achiti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake;” nomuyuniki ngaarege kuti, “Tarirai, ndiri muti wakaoma.” Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pavayuniki, “Vanochengeta maSabata angu, nokusanangura zvinhu zvinondifadza, vachibatisisa sungano yangu. “Ndichavapa mumba mangu nomukati mamasvingo angu chiyeudzo nezita rinopfuura ravanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi. “Navatorwawo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, nokuva varanda vake, mumwe nomumwe anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu; ivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paaritari rangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.
Verenga chikamu Isaya 56
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 56:3-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo