Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 10:22-23

VaHebheru 10:22-23 BDSC

ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena. Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.