VaHebheru 10:22-23
VaHebheru 10:22-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena. Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.
VaHebheru 10:22-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ngatiswedere nomwoyo wachokwadi, nokutenda kwakasimba, mwoyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka. Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, akapikira, akatendeka
VaHebheru 10:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ngatiswederei pedyo nomwoyo uri pachokwadi norudaviro rwakasimba mwoyo yedu yakasaswa isina chinorovesa hana nemiviri yakashambidzwa nemvura yakachena. Ngatichengetedzei zvakasimba chitendero chezvatinotarisira tisingazungunutswi nokuti iye akatsidza anotendeka.
VaHebheru 10:22-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ŋgatisweɗere nomŋoyo waɀokwaɗi, nokutenda kwakasimba, mŋoyo yeɗu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiʋiri yeɗu yakashambidzwa nemvura yakanaka. Ŋgaticeŋgete kwaɀo kupupura kwetariro yeɗu, kuti irege kuzunuŋguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka
VaHebheru 10:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)