Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 10:11-18

VaHebheru 10:11-18 BDSC

Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi. Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari. Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake, nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi. Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti: “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.” Ipapo anotizve: “Zvivi zvavo nokudarika kwavo handizozvirangarirezve.” Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.