Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 10:11-18

VaHebheru 10:11-18 SNA2002

Mupristi mumwe nomumwe anomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvimwe, zvisingagoni kubvisa zvivi; asi iye akati abayira chibayiro chimwechete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari; kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. Nokuti nechibayiro chimwechete akakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene. NoMweya Mutsvene anotipupurirawo; nokuti akatanga, achiti, “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo Shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirayiro yangu pamwoyo yavo, Nokuinyora pakufunga kwavo.” Ndokuzoti, “Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri.” Zvino, kana zvinhu izvi zvakaregererwa, zvivi hazvichabayirwi.