Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 4:1-16

Genesisi 4:1-16 BDSC

Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.” Mushure akabereka mununʼuna wake Abheri. Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu. Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha. Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake, asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Wakatsamweiko? Seiko chiso chako chakaunyana? Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakakuvandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.” Zvino Kaini akati kumununʼuna wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa mununʼuna wake Abheri akamuuraya. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko mununʼuna wako Abheri?” Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womununʼuna wangu here?” Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romununʼuna wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu. Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romununʼuna wako kubva paruoko rwako. Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.” Kaini akati kuna Jehovha, “Kurangwa kwangu kunopfuura zvandinokwanisa kutakura. Nhasi muri kundidzinga kubva panyika, uye ndichavanzwa pamberi penyu; ndichava mudzungairi asina zororo panyika, uye ani naani achandiwana achandiuraya.” Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya. Saka Kaini akabva pamberi paJehovha akandogara munyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.