Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 4:1-16

Genesi 4:1-16 SNA2002

Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, “Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.” Akazoponazve mun'una wake Abhero. Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakanga ari murimi wevhu. Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha. NaAbherowo akauya namakwayana ake ematangwe akakorawo. Jehovha ndokugamuchira Abhero nechipiriso chake; asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Ipapo Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Watsamwireiko? Chiso chako chakaunyana nei? Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwandira pamusuo; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.” Zvino Kaini wakataurirana nomun'una wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero mun'una wake, akamuuraya. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Arikupiko Abhero, mun'una wako?” Iye akati, “Handizivi, ndini mufudzi womun'una wangu here?” Akati, “Waiteiko? Izwi reropa romun'una wako rinodaidzira kwandiri panyika. Zvino watukwa, wadzingwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa romun'una wako paruoko rwako; kana uchirima ivhu, haringakupi simba raro; uchava mutizi nomudzungairi panyika.” Ipapo Kaini akati kuna Jehovha, “Kurohwa kwangu kukuru, handingakutakuri. Tarirai, mandidzinga nhasi panyika ino, ndichavanda pamberi penyu; ndichava mutizi nomudzungairi panyika; ani naani anondiwana achandiuraya.” Jehovha akati kwaari, “Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe.” Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya. Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehovha, akandogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.

Verenga chikamu Genesi 4