Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 4:1-16

Mavambo 4:1-16 SCLB

Adhamu akaziva mukadzi wake Evha. Evha akabva ava napamuviri akabereka mwana mukomana, Kaini. Akati, “Ndabatsirwa naTenzi kuwana mumwe munhu.” Akaberekazve munun'una wake Abhero. Abhero akazova mupfuwi wehwai, Kaini ari murimi. Gare gare Kaini akaunza zvimwe zvirimwa zvake akapira kuna Tenzi. Abhero akaunzawo nyama yakakora yehwayana pahwayana dzake sheshe dzamatangwe. Tenzi akafadzwa naAbhero nomupiro wake. Asi haana kufadzwa naKaini kana nomupiro wake. Kaini akatsamwa zvikuru akafundumwara. Tenzi akabvunza Kaini achiti, “Watsamwireiko? Wapfundumwarireiko? Handiti kana ukaita zvakanaka unogamuchirwawo here? Asi nokuti hauna kuita zvakanaka, chitadzo chakugaririra pamusuo, chichikutsvaka. Asi iwe unofanira kuchikunda, uchitonge.” Kaini akazotaurirana nomunun'una wake Abhero achiti, “Ngatimboendaika zvedu musango.” Ikoko Kaini akamukira munun'una wake, Abhero akamuuraya. Mwari akazobvunza Kaini achiti, “Ko munun'una wako, Abhero aripiko?” Kaini akati, “Handizivi. Ko ndini muchengeti womunun'una wangu here?” Mwari akati, “Ko izvozvi uri kuti waiteiko? Ropa romunun'una wako radeukira pasi, riri kuchema kwandiri. Chinzwa, wapinda rushambwa rwokudzingwa munyika ino yashama muromo wayo ikanwa ropa romunun'una wako rawadeura, iyewe noruoko rwako. Kana ukarima, nyika hapana chainokupa. Uchava swerakuenda nomudzungairi panyika.” Kaini akapindura Tenzi achiti, “Chirango chamanditemera chakanyanya kukura zvokuti handikwanisi kuchitakura. Chionaika kuti zvamandidzinga munyika ino ndichandotambura ndiri kwamusinganditariri, kwandichava swerakuenda nomudzungairi panyika. Ani naani anosangana neni achandiuraya.” Asi Tenzi akati, “Kwete. Ani naani anenge auraya Kaini anotsiviwa kakapetwa kanomwe.” Tenzi akaisa Kaini rupawo kuitira kuti munhu anenge azomuona arege kumuuraya. Kaini akabva paiva naTenzi akandogara kunyika yainzi Nodhi yaiva kumabvazuva kweEdheni.

Verenga chikamu Mavambo 4