Zvino madzikoma ake akanga abuda kundofudza makwai ababa vavo pedyo neShekemu, uye Israeri akati kuna Josefa, “Sezvaunoziva, madzikoma ako ari kufudza makwai pedyo neShekemu. Uya, ndikutume kwavari.”
Iye akati, “Zvakanaka.”
Saka akati kwaari, “Enda undoona kana zvinhu zvakanaka kumadzikoma ako nezvipfuwo, ugodzoka kwandiri neshoko.” Ipapo akamutuma achibva napaMupata weHebhuroni.
Josefa akati asvika kuShekemu, mumwe murume akamuwana achidzungaira musango akamubvunza akati, “Uri kutsvakeiko?”
Akapindura akati, “Ndiri kutsvaka madzikoma angu. Mungandiudzawo kwavanofudzira makwai avo here?”
Murume uya akati, “Vabva pano, ndavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’ ”
Saka Josefa akatevera madzikoma ake akandovawana pedyo neDhotani. Asi vakamuona achiri kure, asati asvika kwavari, vakarangana kumuuraya.
Vakataurirana vachiti, “Hoyo muroti uya ouya! Uyai zvino timuuraye tigomukanda mune rimwe ramatsime aya tigoti akadyiwa nechikara. Ipapo tichazoona zvinobva pakurota kwake.”
Rubheni akati anzwa izvi, akaedza kumununura kubva mumaoko avo. Akati, “Ngatiregei kumuuraya. Regai kuteura ropa. Mukandei mutsime iri muno mugwenga, asi regai kutambanudza maoko enyu paari.” Rubheni akareva izvozvi kuti amununure kwavari uye kuti agomudzosera kuna baba vake.
Saka Josefa akati asvika kumadzikoma ake, vakamubvisa nguo yake, iyo nguo iya yakanga yakaisvonaka, yaiva nemavara-mavara yaakanga akapfeka, uye vakamutora vakamukanda mutsime. Zvino tsime rakanga rapwa risina mvura.
Pavakagara kuti vadye zvokudya zvavo, vakasimudza meso avo vakaona ngoro dzavaIshumaeri dzichibva kuGireadhi. Ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvinonhuhwira, bharimu nemura, uye vakanga vachienda nazvo kuIjipiti.
Judha akati kuhama dzake, “Tichawaneiko kana tikauraya mununʼuna wedu tikafushira ropa rake? Uyai, ngatimutengesei kuvaIshumaeri ava tirege kutambanudza maoko edu paari; pamusoro pezvo iye mununʼuna wedu, nyama yedu neropa redu.” Madzikoma ake akatenderana.
Saka vashambadziri veMidhiani vakati vasvika, madzikoma ake akabudisa Josefa kubva mutsime vakamutengesa kuvaIshumaeri namashekeri makumi maviri esirivha, ivo vakaenda naye kuIjipiti.
Rubheni paakadzokera kutsime uye akawana Josefa asisimo akabvarura nguo dzake. Akadzokerazve kuvanunʼuna vake akati, “Mukomana haasisimo! Zvino ndichaendepiko?”
Ipapo vakatora nguo yaJosefa, vakauraya mbudzi ndokunyika nguo iya muropa. Vakatora nguo iya yakaisvonaka vakaenda nayo kuna baba vavo vakati, “Takanonga ichi. Cherechedzai muone kana ingava nguo yomwanakomana wenyu here.”
Akaiziva akati, “Inguo yomwanakomana wangu! Zvimwe zvikara zvesango zvamudya. Zvirokwazvo Josefa akabvamburwa-bvamburwa.”
Ipapo Jakobho akabvarura nguo dzake, akapfeka nguo dzamasaga akachema mwanakomana wake kwamazuva mazhinji. Vanakomana vake navanasikana vake vose vakauya kuzomunyaradza, asi akaramba kunyaradzwa. Akati, “Kwete, ndichaburuka kuguva ndichichema mwanakomana wangu.” Saka baba vake vakamuchema.
Zvichakadaro, vaMidhiani vakatengesa Josefa muIjipiti kuna Potifa mumwe wavabati vaFaro, mukuru wavarindi.