Vakoma vaJosefi vakandofudzira hwai dzababa vavo kuShikemu. Zvino Isiraeri akati kuna Josefi, “Handiti vakoma vako vari kufudzira zvipfuwo kuShikemu? Uya ndikutume kwavari.” Josefi akati, “Zvakanaka, nditumei henyu.” Jakobho akati, “Enda kuna vakoma vako vari kufudza zvipfuwo undoona kuti kwakadii, ugodzoka wondiudza.” Saizvozvo akamutuma achibva kubani reHebhuroni achienda kuShikemu. Ipapo mumwe murume akaona Josefi achipukaira musango. Murume uyu akati, “Uri kutsvakei?” Josefi akati, “Ndiri kutsvaka vakoma vangu vari kufudza zvipfuwo. Ko mungandiudzewo kwavari here?”
Murume uyu ndokuti, “Vakabva pano, nokuti ndakavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’ ” Josefi akatevera vakoma vake ikoko akandovawanira kuDhotani. Zvino vakoma vake vakamuona achiri kure, asati asvika pedyo navo, vakarangana kuti vamuuraye. Vakataurirana vachiti, “Heyo shasha iye yokurota yauya. Ngatimuurayei, timukande mune rimwe gomba, tozoti akadyiwa nechikara, tigoona kuti kurota kwake kwacho kuchasvikepi.” Rubheni paakazvinzwa, akanunura Josefi mumaoko avo achiti, “Ngatiregei kumuuraya.” Rubheni akatizve, “Ngatiregei kudeura ropa. Mukandei zvenyu mugomba iri riri pano murenje muno asi musawane chamunoita kwaari.” Akareva izvozvo achida kununura Josefi mumaoko avo kuti azomudzosera kuna baba vake. Kuzoti Josefi asvika kuvakoma vake, vakamukatanura hanzu yake aya yaakanga akapfeka, yakanga yakareba, yemaoko marefu. Vakamubata vakamukanda mugomba risina mvura.
Vakagara pasi vava kudya zvavo, ndokubva vaona dungwerungwe revaIshimaeri vaibva kuGiriadhi vachienda kuIjipiti. Vakanga vaine ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvokuzora zvinonhuhwira zvinoti, gamu neBharimu tunonhuhwirira. Zvino Judha akati, kuvakoma navanun'una vake, “Kuuraya munun'una wedu, tichizoramba mhosva yacho kunobatsireiko? Uyai timutengese kuvaIshimaeri tirege kumukuvadza nokuti munun'una wedu chaiye, tiri veropa rimwechete.” Vakoma navanunun'una vake vakabva vamuteerera. Kuzoti vashambadzi vorudzi rwevaMidhiani ava vasvikapo, vakoma vake vakakweva Josefi vachimuburitsa mugomba umu, vakabva vamutengesa kuvaIshimaeri ndokupiwa mari yesirivha makumi maviri, vaIshimaeri ava ndokuenda naye kuIjipiti. Rubheni paakazodzokera kugomba kuya, akaona Josefi musisina, ndokubva abvarura hanzu dzake neshungu. Akadzokera kuvanun'una vake, ndokusvikoti, “Vakomana, inga mwana haasisimo mugomba. Zvino ini ndinoenda kupiko ini!” Vakabva vauraya mbudzi ndokunyika hanzu yaJosefi iya muropa rayo. Vakatumira hanzu yake yemaoko marefu iya kuna baba vavo vachiti, “Onai zvatanonga izvi. Tarisaiwo muone kana iri hanzu yomwana wenyu kana kuti kwete.” Jakobho akaiziva ndokubva ati, “Inga ihanzu yomwana wangu! Akadyiwa nechikara chete! Chokwadi Josefi akaparara!” Jakobho akabvarura hanzu dzake neshungu. Akapfeka masaga akabva achema mwana wake kwamazuva mazhinji. Vana vake vose vakomana navasikana vakaedza kumunyaradza, asi mwoyo wake wakaramba kusununguka. Akati, “Ndichadzamara kufa ndichizoenda kunzvimbo yavachakabvu ndichichema mwana wangu.” Ndokuchema kwaiita baba vake zuva nezuva. Izvo vaMidhiani vaye vakanga vatotengesa Josefi kuIjipiti, kuna Potifari, jinda raFarao raiva mukuru mukuru wavachengeti vokwamambo.