Zvino mupata weSidhimi wakanga uzere namakomba etara, uye madzimambo eSodhomu neGomora paakatiza, vamwe varume vakawira maari uye vakasara vakatizira kuzvikomo. Madzimambo mana aya akatora pfuma yose yeSodhomu neGomora nezvokudya zvavo zvose vakaenda. Vakatorawo Roti mwanakomana womununʼuna waAbhurama nepfuma yake, sezvo akanga achigara muSodhomu. Mumwe akapunyuka akauya akasvikoudza Abhurama muHebheru. Zvino Abhurama akanga achigara pedyo nemiti mikuru yaMamure muAmori, mununʼuna waEshikori naAneri, avo vose vainzwanana naAbhurama. Abhurama akati anzwa kuti hama yake yakanga yatapwa, akadana varume vakanga vadzidziswa kurwa mazana matatu negumi navasere vakaberekerwa mumba make vakavatevera kusvikira paDhani. Abhurama akapatsanura vanhu vake panguva dzousiku kuti vandovarwisa, uye vakavakunda, vakavatevera kusvikira paHobhabhi, kumusoro kweDhamasiko. Akadzosa zvinhu zvose uye akadzosawo hama yake Roti nepfuma yake, pamwe chete navakadzi navamwe vanhu. Shure kwokudzoka kwaAbhurama akunda Kedhoraomeri namadzimambo akanga abatana naye, mambo weSodhomu akabuda kuti azosangana naye muMupata weShavhe (ndiwo Mupata waMambo). Ipapo Merikizedheki mambo weSaremu akamuvigira chingwa newaini. Akanga ari muprista waMwari Wokumusoro-soro, uye akaropafadza Abhurama, achiti, “Abhurama ngaaropafadzwe naMwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi. Uye Mwari Wokumusoro-soro ngaakudzwe, akaisa vavengi vako muruoko rwako.” Ipapo Abhurama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Mambo weSodhomu akati kuna Abhurama, “Ndipe vanhu uzvichengetere hako pfuma.” Asi Abhurama akati kuna mambo weSodhomu, “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi, uye ndakaita mhiko
Verenga chikamu Genesisi 14
Terera ku Genesisi 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 14:10-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo