Bani reSidhimu rakanga riine migodhi mizhinji yetara. Madzimambo eSodhomu neGomora akatiza, vamwe vanhu vavo vakawira mumigodhi yacho. Vakasarawo vakatizira kumakomo. Madzimambo mana aye akapamba upfumi hwose hweSodhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose vakaenda nazvo. Kunyange Roti uya, mwanakomana womunun'una waAbhuramu akanga agere kuSodhomu vakamutapawo, vakapambawo upfumi hwake, vakaenda. Mumwewo akapunyuka ipapo akaenda akandoudza Abhuramu muHebheru kwaiva nemiti yemioku yokwaMamure kwavakanga vagere. Mamure uyu aiva worudzi rwevaAmori, iye aivawo mukoma nomunun'una naEshikoru naAneru. Ivava vose vaibatana pamwechete naAbhuramu pakurwa. Abhuramu paakanzwa zvokutapwa kwehama yake akaunganidza vanhu vake mazana matatu ane gumi navasere vakanga vakanyatsodzidziswa zvehondo vakaberekwa mumhuri dzavaranda vake. Vakaronda madzimambo aya kusvika kuDhani. Abhuramu akakamura varwi vake akavarwisa nousiku akavakunda, akavadzingirira kusvika kuHobha kuchamhembe kweDhamasikusi. Akadzoka nezvinhu zvose zvakanga zvapambwa, akadzokawo nehama yake Roti nezvinhu zvake, navakadzi navamwe vanhu. Kuzoti Abhuramu adzoka kuya kwaakanga akunda Kedhoriraomeri namadzimambo aakanga anawo, mambo weSodhomu akandomuchingamidza pabani reShavhe (kana kuti bani raMambo). Merekizedhekiwo mambo weSaremu aiva mupristi waMwari Wokumusorosoro akauyawo nechingwa newaini kuna Abhuramu. Akamukomborera achiti; “Mwari Wokumusorosoro, Musiki wedenga napasi, ngaakomborere Abhuramu. Ngaakudzwe Mwari Wokumusorosoro, akaisa vavengi venyu mumaoko enyu.” Abhuramu akabvisa chegumi chezvinhu zvose zvaakanga adzoka nazvo, akapa kuna Merekizedheki. Mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, “Pane zvawadzoka nazvo, ndipe vanhu utore zvako upfumi.” Asi Abhuramu akapindura mambo weSodhomu achiti, “Ndakapika naTenzi Mwari Wokumusorosoro
Verenga chikamu Mavambo 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 14:10-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo