Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 13:1-4

Genesisi 13:1-4 BDSC

Saka Abhurama akakwidza achibva kuIjipiti akaenda kuNegevhi, nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo, uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga apfuma kwazvo pamombe nesirivha uye negoridhe. Kubva kuNegevhi akafamba nzvimbo nenzvimbo kudzamara asvika kuBheteri, kunzvimbo iri pakati peBheteri neAi kwaimbova netende rake kare uye kwaakanga atanga kuvaka aritari. Abhurama akadana kuzita raJehovha ikoko.