Genesisi 13:1-4
Genesisi 13:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Abhurama akakwidza achibva kuIjipiti akaenda kuNegevhi, nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo, uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga apfuma kwazvo pamombe nesirivha uye negoridhe. Kubva kuNegevhi akafamba nzvimbo nenzvimbo kudzamara asvika kuBheteri, kunzvimbo iri pakati peBheteri neAi kwaimbova netende rake kare uye kwaakanga atanga kuvaka aritari. Abhurama akadana kuzita raJehovha ikoko.
Genesisi 13:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Abhuramu wakakwira, akabva Ijipiti, iye nomukadzi wake, nezvose zvaakanga anazvo, naRotiwo anaye; vakaenda kurutivi rwenyasi. Abhuramu wakanga akapfuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama. Akafamba nzendo dzake achibva nyasi kusvikira paBheteri, kunzvimbo iya kwaiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi; kunzvimbo yeatari, yaakanga aitapo pakutanga; Abhuramu akanamata zita raJehovha ipapo.
Genesisi 13:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhuramu akabva muIjipiti iye nomudzimai wake nezvinhu zvose zvaaiva nazvo pamwechete naRoti vakaenda kuNegevhu. Abhuramu akanga akapfuma kwazvo. Aiva nemombe nesirivha nendarama. Akazosumuka muNegevhu akafamba kudzamara asvika kuBhetieri padongo riya raakanga akadzika matendhe ake pakutanga riri pakati peBhetieri neAi, paya paakavaka atari pakutanga. Ipapo Abhuramu akanamata kuna Yahweh achimudoma nezita.
Genesisi 13:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Abrama wakakwira, akabva Egipita, iye nomukadzi wake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, naRoti ʋo anaye; ʋakaenda kurutiʋi rwenyasi. Abrama wakaŋga akafuma kwaɀo ŋombe, nesirveri, nendarama. Akafamba nzendo dzake acibva nyasi kuȿikira paBeteri, kunɀimbo iya kwaiʋa netente rake pakutaŋga, pakati peBeteri neAi; kunɀimbo yeartari, yaakaŋga aita’po pakutaŋga; Abrama akanamata zita raJehova ipapo.
Genesisi 13:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)