Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro. Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari. Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi. Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva.
Verenga chikamu VaGaratia 5
Terera ku VaGaratia 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaGaratia 5:17-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo