Nokuti nyama inochiva ichirwa noMweya; noMweya uchirwa nenyama; nokuti izvi zvinorwisana; kuti murege kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamuzi pasi pomurayiro.
Zvino mabasa enyama anoonekwa, anoti: Upombwe, netsvina, nokukara nokunamata zvifananidzo, nouroyi, nokuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, nokugodorana, nokuraradza, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuudzai zvino, sezvandakambokuudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka youshe hwaMwari.
Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, norufaro, rugare, mwoyo murefu, mwoyo munyoro, kunaka, kutendeka, unyoro, nokuzvidzora; hakuna murayiro unodzivisa zvinhu zvakadai. Asi avo vari vaKristu Jesu vakarovera pamuchinjikwa nyama yavo, pamwechete nokuda kwayo, nokuchiva kwayo.