Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 5:13-26

VaGaratia 5:13-26 BDSC

Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo. Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.” Kana muchiramba muchirumana uye nokudyana, chenjererai kuti murege kuparadzana mumwe nomumwe wenyu. Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo. Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro. Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari. Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi. Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva. Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya. Ngatiregei kuzvikudza, tichitsamwisana kana kuchiva zvevamwe.