Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 5:13-26

Vagaratia 5:13-26 SCLB

Chandinodariro hama dzangu, ndechokuti makadanirwa rusununguko. Asi rusununguko rwenyu ngarurege kuva nzira yokuzvifadza. Asi shandiranai murudo nokuti zvisungo zvose zvomutemo zvinozadziswa nechirevo chimwechete chinoti: “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Kana basa renyu rava sezvikara kurumana nokudyana munofanira kuzvingwarira nokuti mungatosvika pakupedzana. Zvandinoreva ndezvizvi, zvokuti tungamirirwai naMweya murege kufadza havi dzomuviri nokuti zvinodiwa nomuviri zvinorwisana nezvinodiwa naMweya. Zvinodiwawo naMweya zvinorwisana nezvinodiwa nehavi dzomuviri nokuti izvi zviri zviviri zvinorwisana zvichikutadzisai kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa naMweya hamuchisiri pasi pomutemo. Zvino mabasa enyama anooneka pachena, ndeaya anoti: upombwe nokuita zvakaora, kwouya kusazvibata nokunamata zvinhu zvisiri Mwari kwoti kuroya nokuvengana kwozoti kunetsana, nokuitirana shanje kwouyawo hasha, nokungozvifunga, kwozotiwo kupesana nokuita mapato anovengana uye kusafarira zvakanaka zvavamwe, uyezve kuraradza nokusazvibata kwezvidhakwa nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai sokukuyambirai kwandakamboita ndichiti vanoita zvakadai havawani nhaka youmambo hwamwari. Asi Mweya anobereka muchero wokuti tive norudo norufaro norugare, tive nemwoyo murefu nomutsa nemwoyo wakanaka nokutendeka uye unyoro nokuzvibata. Hakuna mutemo unorwisana nezvakadai sezvizvi. Avo vanenge vari vanhu vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa humunhu hwavo nehavi dzahwo nezvido zvahwo. Kana Mweya ari iye anoita kuti tirarame; saizvozvo ngatichitungamirirwawo naMweya. Ngatiregei kuzvikudza kana kudenhana kana kuitirana shanje.

Verenga chikamu Vagaratia 5