Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa. Saka murayiro wakaiswa kuti utitungamirire kuna Kristu kuitira kuti tigoruramisirwa nokutenda. Zvino kutenda zvakwasvika, hatichisiri pasi pomurayiro. Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu, nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka Kristu. Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. Kana muri vaKristu, ipapo muri vana vaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechipikirwa.
Verenga chikamu VaGaratia 3
Terera ku VaGaratia 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaGaratia 3:23-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo