Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratiya 3:23-29

Vagaratiya 3:23-29 SNA2002

Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurayiro, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa. Saizvozvo murayiro wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda. Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi. Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda muna Kristu Jesu; nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu. Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina akasungwa kana akasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.