Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake: Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha; Isakari, Zebhuruni naBhenjamini; Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri. Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti. Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa, asi vaIsraeri vakaberekana vakawanda zvikuru uye vakava vazhinji kwazvo, zvokuti nyika yakanga yazara navo. Ipapo mambo mutsva, akanga asingazivi nezvaJosefa, akatanga kutonga muIjipiti. Akati kuvanhu vake, “Tarirai, vaIsraeri vanyanya kuwanda kwazvo. Uyai tivafungire zano nokuti vangazonyanya kuwanda uye kana hondo ikamuka, vangazobatana navavengi vedu, vakarwa nesu vakazobva munyika.” Saka vakagadza vatariri vebasa pamusoro pavo kuti vavadzvinyirire nebasa rechibharo, uye vakavaka Pitomu neRamesesi kuti ave maguta amatura aFaro. Asi pavakanyanya kudzvinyirirwa ndipo pavakanyanya kuwanda uye nokupararira; saka vaIjipita vakasvika pakutya vaIsraeri uye vakavashandisa zvino utsinye. Vakashungurudza upenyu hwavo nebasa rakaoma rezvidhina nedhaka uye nemhando dzose dzebasa romuminda; vaIjipita vakavashandisa noutsinye mubasa rakaoma.
Verenga chikamu Ekisodho 1
Terera ku Ekisodho 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 1:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo