Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 1:1-14

Ekisodho 1:1-14 SNA2002

Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakanga vaenda Ijipiti: mumwe nomumwe akaenda naJakobho ana veimba yake: Rubheni, naSimeoni, naRevhi, naJudha, naIsakari, naZebhuruni, naBhenjamini, naDhani, naNafutari, naGadhi, naAsheri. Zvino vanhu vose vakanga vabva muchiuno chaJakobho vakanga vari vanhu vana makumi manomwe; asi Josefa akanga atova Ijipiti. Zvino Josefa akafa, navana vababa vake vose, navose vakanga vane zero navo. Vana vaIsiraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru-guru; nyika yakanga izere navo. Zvino paIjipiti pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa. Iye akati kuvanhu vake, “Tarirai, vanhu ava, vana vaIsiraeri, vanotipfuura isu pakuwanda nesimba; uyai, ngativafungire zano, varege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, ivo vangabatsirana navavengi vedu, vakarwa nesu, vakabva panyika ino.” Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta ana matura, Pitomi naRamesesi. Asi vachiramba vachivanetsa, ivo vakaramba vachiwanda kwazvo, vachingopararira. Vakaora mwoyo nokuda kwavana vaIsiraeri. VaIjipiti vakavabatisa zvinorema; vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema pamatope nezvitina, vachivabatisa zvinorema.

Verenga chikamu Ekisodho 1