Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazvizora madota, akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo. Asi akangosvika pasuo ramambo chete, nokuti munhu akapfeka masaga akanga asingabvumirwi kupinda. Munyika ipi neipi makasvika chirevo nomurayiro wamambo, maiva nokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, kuchema, nokuungudza. Vazhinji vakapfeka masaga vakarara mumadota. Varandakadzi vaEsteri navaranda vake pavakasvika vakamuudza nezvaModhekai, akatambudzika zvikuru. Akamutumira mbatya kuti apfeke panzvimbo yamasaga ake, asi haana kuzvigamuchira.
Verenga chikamu Esteri 4
Terera ku Esteri 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Esteri 4:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo