Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo; akasvikawo pamberi pesuo ramambo; nokuti akafuka masaga haana kutenderwa kupinda pasuo ramambo. Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokuzvinyima zvokudya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro. Zvino vasikana vaEsiteri navaranda vake vakandomuudza izvozvo; vahosi vakabatwa neshungu kwazvo, vakatumira Modhekai nguo, kuti adzifuke, abvise masaga; asi wakaramba kudzigamuchira.
Verenga chikamu Esiteri 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Esiteri 4:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo