Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esteri 1:1-4

Esteri 1:1-4 BDSC

Izvi ndizvo zvakaitika panguva yaZekisesi, uya Zekisesi akatonga nyika zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia: Panguva iyo mambo Zekisesi akatonga ari pachigaro chake choumambo munhare yeShushani uye mugore rake rechitatu akaitira makurukota ake ose navabati vake mabiko. Vakuru vehondo yePezhia neMedhia, machinda namakurukota enyika aivapo. Akaratidza kuwanda kwepfuma youmambo hwake uye nokuyevedza nokubwinya kwoumambo hwake kwamazuva zana namakumi masere akazara.