Esteri 1:1-4
Esteri 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Izvi ndizvo zvakaitika panguva yaZekisesi, uya Zekisesi akatonga nyika zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia: Panguva iyo mambo Zekisesi akatonga ari pachigaro chake choumambo munhare yeShushani uye mugore rake rechitatu akaitira makurukota ake ose navabati vake mabiko. Vakuru vehondo yePezhia neMedhia, machinda namakurukota enyika aivapo. Akaratidza kuwanda kwepfuma youmambo hwake uye nokuyevedza nokubwinya kwoumambo hwake kwamazuva zana namakumi masere akazara.

Esteri 1:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino pamazuva aAhashivheroshi, (ndiye Ahashivheroshi aibata ushe kubva paIndia kusvikira Itiopia, pamativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe;) pamazuva iwayo mambo Ahashivheroshi agere pachigaro chake choushe chakanga chiri paShusha panhare yamambo, pagore rechitatu rokubata kwake ushe, akaitira machinda ake ose navaranda vake mutambo; hondo dzePerisia neMedhia, navakuru namachinda enyika vakanga vari pamberi pake. Akavaratidza pfuma youshe hwake hwakarumbidzwa, nokukudzwa kwoumambo hwake hwakaisvonaka mazuva mazhinji, ari mazuva ane zana namakumi masere.
Esteri 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumazuva aAhasuerusi, Ahasuerusi uya aitonga nyika dzinobvira kuIndia kusvikira kuItiopia achitonga zana renyika rine nyika makumi maviri nenomwe, mumazuva iwayo, pakagara mambo Ahasuerusi pachigaro chake choumambo muguta reSusa, guta guru. Mugore rake rechitatu rokutonga akaitira mabiko machinda ake ose namakurukota vakuru vakuru vehondo yePezhiya neMidhia nevokumbahuru namasadunhu amatunhu iwayo vari paari. Izvozvo ainge achiratidza kuwanda kwoupfumi hwoumambo hwake norunako rwahwo nechiremera chake nomukurumbira woumambo hwake kwamazuva mazhinji, kwezana ramazuva rina mazuva makumi masere.
Esteri 1:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino pamazuʋa aAhashveroshi, (ndiye Ahashveroshi waiɓata ʋushe kubva paIndia kuȿikira Etiopia, pamatiʋi enyika anezana namakumi maʋiri namanomŋe;) pamazuʋa iwayo mambo Ahashveroshi agere pacigaro cake coʋushe cakaŋga ciri paShushani panhare yamambo, pagore recitatu rokuɓata kwake ʋushe, wakaitira macinda ake ose naʋaranda ʋake mutambo; hondo dzePersia neMedia, naʋakuru namacinda enyika ʋakaŋga ʋari pamberi pake. Akaʋaratidza fuma yoʋushe bgake bgakarumbidzwa, nokukudzwa kwoʋumambo bgake bgakaiȿo‐naka mazuʋa mazhinji, ari mazuʋa anezana namakumi masere.
Esteri 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)