Rangarirai izvi uye musakanganwa kuti makatsamwisa Jehovha Mwari wenyu sei murenje. Kubva nezuva ramakabuda muIjipiti kusvikira muchisvika pano, makaramba muchimukira Jehovha. PaHorebhi makamutsa hasha dzaJehovha zvokuti akatsamwa zvokuda kukuparadzai. Pandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano iyo yakanga yaitwa naJehovha nemi, ndakagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya kana kunwa mvura. Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari. Paari pakanga pakanyorwa mirayiro yose yakanga yataurwa kwamuri naJehovha pagomo ari mukati memoto, nezuva reungano. Pakupera kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano. Ipapo Jehovha akandiudza kuti, “Buruka ubve pano iye zvino, nokuti vanhu vako vawakabudisa kubva muIjipiti vaita zvakaipa. Vatsauka nokukurumidza kubva pane zvandakavarayira uye vazviitira chifananidzo chakaumbwa.” Uye Jehovha akati kwandiri, “Ndaona rudzi urwu, uye rudzi rune mutsipa mukukutu kwazvo! Rega ndivaparadze ndigodzima zita ravo pasi pedenga. Uye ndichakuita rudzi rwakasimba rwakawanda kupfuura zvavari.” Saka ndakadzoka ndikaburuka kubva pagomo richiri kupfuta nomoto. Uye ndakanga ndine mahwendefa maviri esungano mumaoko angu. Pandakatarira, ndakaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira chifananidzo chakaumbwa mumufananidzo wemhuru. Makanga matsauka nokukurumidza kubva panzira yamakanga marayirwa naJehovha. Saka ndakatora mahwendefa maviri ndikaakanda pasi kubva mumaoko angu, akaputsika kuita zvimedu zvimedu muchizviona. Ipapo zvakare ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; handina kudya zvokudya kana kunwa mvura, nokuda kwechivi chose chamakanga maita, muchiita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha nokudaro mukamutsa hasha dzake. Ndakatya hasha nokutsamwa kwaJehovha, nokuti akanga atsamwa zvokuti angakuparadzai. Asi Jehovha akandinzwa. Uye Jehovha akatsamwira Aroni zvokuti akada kumuparadza, asi panguva iyoyo ndakanyengetererawo Aroni. Uyezve ndakatora chitadzo chenyu, chimhuru chamakanga magadzira, ndikachipisa mumoto. Mushure maizvozvo ndakachiparadza ndikachikuya kusvikira chakuyika seguruva uye ndikakanda guruva racho murukova rwaiyerera kubva mugomo.
Verenga chikamu Dhuteronomi 9
Terera ku Dhuteronomi 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhuteronomi 9:7-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo