Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 9:7-21

Dhuteronomi 9:7-21 SNA2002

“Rangarira, usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro panyika yeIjipiti kudzimana masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha. NapaHorebhu makatsamwisa Jehovha, Jehovha akakutsamwirai, akada kukuparadzai. Nguva yandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano, yaakaita iye Jehovha nemi, ndakagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kunwa mvura. Zvino Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, akanga akanyorwa nomunwe waMwari; pamusoro pawo pakanga pakanyorwa mashoko ose akanga ataurwa kwamuri naJehovha pagomo, ari mukati momoto nomusi weungano. Zvino mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana zvakati zvapera, Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano. “Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Simuka, kurumidza kuburuka pano, nokuti vanhu vako vawakabudisa paIjipiti, vazvitadzira; vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira; vazviitira mufananidzo wakaumbwa.’ Uye Jehovha akataura neni, akati, ‘Ndaona rudzi urwu, tarira, rudzi rune mitsipa mikukutu; ndirege, ndivaparadze, ndidzime zita ravo pasi pedenga, ndikuite iwe rudzi runovapfuura nesimba noukuru.’ “Naizvozvo ndakadzoka, ndikaburuka pagomo, gomo rikapfuta nomoto; zvino mahwendefa maviri esungano akanga ari mumaoko angu maviri. Ndikatarira, ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira mhuru yakaumbwa; makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marairwa naJehovha. Ndikabata mahwendefa maviri, ndikaarashira pasi muchizviona. Ndikawira pasi pamberi paJehovha, sapakutanga, mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kunwa mvura, nokuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakanga matadza, muchiita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa. Nokuti ndakatya hasha nokutsamwa kukuru, kwamakatsamwirwa nako naJehovha, nokuti wakanga achida kukuparadzai. Asi Jehovha wakandinzwawo nenguva iyo. Jehovha wakanga ane shunguo kwazvo naAroni, akada kumuparadza, ndikanyengeterera Aroniwo nenguva iyo. Ndikatora zvivi zvenyu, iyo mhuru iya yamakanga maumba, ndikaipisa nomoto, ndikaipwanya, nokuikuya kwazvo, kusvikira yatsetseka seguruva; ndikakandira guruva rayo murukova rwakanga ruchibva mugomo.