Kana uchinge wapinda munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka uye kana uchinge waitora wava kugara mairi, utore zvimwe zvezvibereko zvose zvokutanga zvauchakohwa kubva pavhu renyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako ugozviisa mudengu. Ipapo ugoenda kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wako achasarudza kuti Zita rake rigarepo, uye ugoti kumuprista ari kushumira panguva iyoyo, “Ndinozvireva nhasi pamberi paJehovha Mwari wako kuti ndasvika munyika yakapikirwa madzitateguru edu naJehovha kuti achatipa.” Muprista anofanira kutora dengu kubva mumaoko ako agoriisa pasi pamberi pearitari yaJehovha Mwari wake. Ipapo uchataura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, “Baba vangu vakanga vari muAramu mufambi, vakadzika vakaenda kuIjipiti navanhu vashoma uye vakagarako vakazova rudzi rukuru, rune simba uye runa vanhu vazhinji. Asi vaIjipita vakatiitira zvakaipa, vakatitambudza, vachitibatisa basa rinorema. Ipapo takadana kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba edu, uye Jehovha akanzwa inzwi redu akaona kutambudzika kwedu, kushandiswa nokumanikidzwa kwedu. Saka Jehovha akatibudisa muIjipiti nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo uye nezvishamiso. Akatiuyisa panzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi. Zvino ndauya nezvibereko zvokutanga zvevhu ramakandipa imi, iyemi Jehovha.” Uise dengu pamberi paJehovha Mwari wako uye ugopfugama pamberi pake. Uye iwe navaRevhi, navatorwa vari pakati penyu muchafara mune zvose zvakanaka zvawakaitirwa naJehovha Mwari wako, iwe nemhuri yako.
Verenga chikamu Dhuteronomi 26
Terera ku Dhuteronomi 26
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhuteronomi 26:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo