Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 26:1-11

Kutsinhira Mutemo 26:1-11 SCLB

“Zvino kana uchinge wasvika munyika yaunopiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, waitora wagaramo, pamhando dzose dzembesa dzako kana odzikohwa unofanira kutora dzokutanga dzacho uise mutswanda uende nadzo kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako kuisa zita rake kuti rivepo, uende kumupristi anenge ariko panguva iyoyo uti, ‘Nhasi uno ndinoreva pachena kuna Tenzi Mwari wenyu kuti ndakakwanisawo kuva munyika ino iyi makatsidzirwa madzitateguru edu naTenzi kuti tinozopiwa.’ “Mupristi ngaatambire tswanda iyoyo andoigadzika paatari yaTenzi Mwari wako. Pana Tenzi Mwari wako ipapo taura uchiti, ‘Baba vangu vaiva muAramu, vaiva munhu aingoti apa garei tamei apa garei tamei, vakaenda kuIjipiti vakagarako nemhuri yavo yavanhu vashomashoma. Vari ikoko vakazova rudzi rukuru, runa simba, runa vanhu vazhinji. VaIjipiti vakatibata zvakaipa vakationesa nhamo vachitiitisa basa rechibharo. Takazochema kuna Tenzi Mwari wamadzibaba edu, Tenzi ndokunzwa kuchema kwedu, ndokuonawo kutambura kwedu nomutoro wedu webasa nokusabatwa zvakanaka kwataiitwa. Tenzi akatiburitsa muIjipiti nesimba rake guru namabasa ake makuru anotyisa nezviratidzo nezvishamiso. Akatiunza kunzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika yakanaka yomukaka nouchi. Zvino, hedzinoi mbesa dzokutanga dzomumunda wamakandipa imi Tenzi dzandauya nadzo.’ Unofanira kudziisa pana Tenzi Mwari wako upfugamire Tenzi Mwari wako ipapo. Iwe nemhuri yako nomuRevhi nomutorwa pemberai muchifarira zvinhu zvawakapiwa naTenzi Mwari wako.