Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 3:5-11

VaKorose 3:5-11 BDSC

Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya. Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama. Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu. Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake. Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.