VaKorose 3:5-11
VaKorose 3:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya. Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama. Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu. Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake. Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.
VaKorose 3:5-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavana vokusateerera; nemiwo maifamba mazviri kare, maigara muzvinhu izvi. Asi zvino, imiwo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu. Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare namabasa ake, mukafuka munhu mutsva, anovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika; apo hapana muGiriki nomuJudha, akadzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa nomuSitia, musungwa nowakasununguka; asi Kristu ndiye zvose uye uri muna vose.
VaKorose 3:5-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo urayai zvenyika zviri mamuri izvi zvinoti: ufeve, zvisina kuchena, havi dzakaipa, nokudokwairira uipi nokukarira upfumi zvinongova zvimwechetezvo nokunamata zvifananidzo. Pamusana paizvozvi Mwari ari kuuya akashatirwa. Makambofamba mazviri pamaigara mazviri. Zvino chisiyanai nazvo zvose zvinoti: hasha, noukasha, nouipi nokureva vamwe nokutaura zvinonyadzisa. Musareverane nhema sezvamunongozvionawo kuti makabvisa upenyu hwenyu hwakare namaitiro ahwo mukapfeka upenyu hutsva huri kuvandudzwa noruzivo kuti hufanane nomusiki warwo. Pano apa hapana zvokuti uyu muGiriki here kana kuti muJudha; kana kuti uyu akadzingiswa here kana kuti haana kudzingiswa; kana kuti uyu ndewechirudzi here kana kuti muSitia, kana kuti muranda here kana kuti munhu anorusununguko rwake asi kuti Kristu ndiye zvose uye kuti ari muna vose.
VaKorose 3:5-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ʋurayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Ʋupombge, netȿina, nokushumba, nokuɗa ɀakaipa, nokuciʋa, ndiko kunamata ɀifananidzo. Nokuɗa kwaiɀoɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋana ʋokusaterera; nemi ʋo maifamba maɀiri kare, maigara muɀinhu iɀi. Asi ɀino, imi ʋo, bvisai iɀi ɀose, ɀinoti: Hasha, nokutsamŋa, nokuʋeŋga, nokutuka, nokutaura ɀinonyadzisa nomuromo wenyu. Regai kureʋerana nhema, ɀamakabvisa munhu wekare namaɓasa ake, mukafuka munhu mutȿa, unoʋandudzwa pakuziʋa, afanane nowakamusika; apo hapana‐muGiriki nomuJuda, kudziŋgiswa nokusadziŋgiswa, mutorwa nomuSitia, musuŋgwa nowakasunuŋguka; asi Kristu ndiye ɀose, ʋuye uri munaʋose.
VaKorose 3:5-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)