Petro paakanga achifamba achipota nenyika, akashanyira vatsvene muRidha. Ikoko, akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga akaoma mutezo uye akanga achigara avete panhoo kwamakore masere. Petro akati kwaari, “Eniasi, Jesu Kristu anokuporesa. Simuka uzvitakurire nhoo yako.” Pakarepo Eniasi akasimuka. Vose vaigara muRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna She. MuJopa maiva nomudzidzi ainzi Tabhita (kana zvichishandurwa, Dhokasi), aiita zvakanaka nguva dzose uye achibatsira varombo. Panguva inenge iyoyo akatanga kurwara ndokubva afa, mutumbi wake ukashambidzwa uye ukaiswa muimba yapamusoro. Ridha yakanga iri pedyo neJopa; saka vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro akanga ari muRidha, vakatuma varume vaviri kwaari kuti vandomukumbira vachiti, “Tapota, uyai nokukurumidza!” Petro akaenda navo, uye akati asvika, vakamutora vakaenda naye muimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira dzakamupoteredza, dzichichema dzichimuratidza majasi nedzimwe nguo dzakanga dzaitwa naDhokasi panguva yaakanga achinavo. Petro akavabudisa vose mumba; ipapo akapfugama namabvi ake akanyengetera. Akatendeukira kumukadzi akanga afa akati, “Tabhita, muka.” Iye akasvinura meso ake, uye akati aona Petro, akamuka akagara. Akamubata noruoko akamubatsira kuti amire netsoka dzake. Ipapo akadana vatendi nechirikadzi ndokubva amupa kwavari ari mupenyu. Izvi zvakazivikanwa muJopa yose, uye vanhu vazhinji vakatenda kuna She. Petro akambogara muJopa kwechinguva nomusuki wamatehwe ainzi Simoni.
Verenga chikamu Mabasa 9
Terera ku Mabasa 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 9:32-43
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo