Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 9:32-43

Mabasa 9:32-43 SCLB

Zvino Pita zvaaifamba–famba mukati mavo vose akaendawo kuvatsvene vaigara kuRidha. Ikoko akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga angove wepabonde nokurwara kwamakore masere uye akanga akafa mitezo. Pita akati kwaari, “Eniasi Jesu Kristu ari kukurapa, simuka upete bonde rako.” Akabva asimuka pakarepo. Vagari vose vomuRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna Tenzi. KuJopa ikoko kwaiva nomudzimai ainzi Tabhita, zvinoreva kuti Dhokasi, akanga azere namabasa akanaka namabasa etsitsi. Pamazuva iwayo akarwara akafa. Pavakanga vamushambidza vakandomurarisa muimba yapamusoro. Zvino Ridha zvayaiva pedyo neJopa, vadzidzi pavakanzwa kuti Pita ariko vakatuma varume vaviri kwaari kundomukumbira vachiti, “Uyai kwatiri nokukasira.” Naizvozvo Pita akasimuka akaenda navo. Paakasvika, vakaenda naye kuimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira paari dzichichema dzichiratidza mabhachi nehanzu dzakasonwa naDhokasi achinavo. Pita akavaburitsa kunze vose akapfugama achinamata. Akatendeukira kuchitunha akati, “Tabhita muka.” Tabhita akabva asvinura. Paakaona Pita, akamuka akaita zvokugara. Pita akamutambanudzira ruoko akabva amusimudza ndokudaidza vanamati nechirikadzi akamupa kwavari ava mupenyu. Zvakazivikanwa muJopa yose, vanhu vazhinji vakadavira muna Tenzi. Akagara kwamazuva mazhinji naSimoni musuki wamaTehwe.

Verenga chikamu Mabasa 9