Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 8:1-8

Mabasa 8:1-8 BDSC

Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yepaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria, kukasara vapostori chete. Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru. Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo. Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda. Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko. Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura. Nokuti mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa. Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro.