Sauro akanga achitenda kuurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusaremu yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhea neSamaria, vakasara vapostori bedzi. Varume vakarurama vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru. Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo. Zvino avo vakaparadzirwa, vakapota nyika, vachiparidza shoko. NaFiripi akaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu. Vanhu vazhinji vakateerera nomwoyo mumwe zvairehwa naFiripi, vachinzwa nokuona zviratidzo zvaakanga achiita. Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nezwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa. Mufaro mukuru ukavapo paguta iro.
Verenga chikamu Mabasa 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 8:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo