Ipapo Fesitasi akati kuna Pauro nenzwi guru, “Pauro, wava kupenga! Kudzidza kwako kukuru kwava kukupengesa.” Pauro akapindura akati, “Handisi kupenga, changamire Fesitasi. Zvandiri kutaura ichokwadi uye zvinotendeka. Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda. Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.” Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.” Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.” Mambo akasimuka, pamwe chete nomubati naBhenisi uye navose vaakanga agere navo. Vakabuda mumba, uye pavaitaurirana, vakati, “Munhu uyu haasi kuita chinhu chinofanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.” Agiripa akati kuna Fesitasi, “Munhu uyu angadai asunungurwa dai akanga asina kuzviisa kuna Kesari.”
Verenga chikamu Mabasa 26
Terera ku Mabasa 26
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 26:24-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo