Mabasa 26:24-32
Mabasa 26:24-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Fesitasi akati kuna Pauro nenzwi guru, “Pauro, wava kupenga! Kudzidza kwako kukuru kwava kukupengesa.” Pauro akapindura akati, “Handisi kupenga, changamire Fesitasi. Zvandiri kutaura ichokwadi uye zvinotendeka. Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda. Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.” Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.” Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.” Mambo akasimuka, pamwe chete nomubati naBhenisi uye navose vaakanga agere navo. Vakabuda mumba, uye pavaitaurirana, vakati, “Munhu uyu haasi kuita chinhu chinofanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.” Agiripa akati kuna Fesitasi, “Munhu uyu angadai asunungurwa dai akanga asina kuzviisa kuna Kesari.”
Mabasa 26:24-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati achizvidavirira saizvozvo, Fesito akati nezwi guru, “Pauro, unopenga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza.” Asi Pauro akati, “Handipengi, Fesito akakurumbira; asi ndinotaura mashoko amazvokwadi noouchenjeri. Nokuti mambo andinotaura naye ndisingatyi, vanoziva izvozvi, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pakavanda. “Mambo Agiripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.” Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.” Pauro akati, “Ndinonyengetera kuna Mwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasina zvisungo izvi.” Ipapo mambo akasimuka, nomubati, naBherinike, navakanga vagere navo; vakabuda vakataurirana, vakati, “Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.” Ipapo Agiripa akati kuna Fesito, “Munhu uyu dai asina kuzviisa kuna Kesari angadai asunungurwa.”
Mabasa 26:24-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapa Pauro achizvidavirira, Fesitusi akadaidzira nezwi guru achiti, “Iwe Pauro wavakupenga iwe. Kudzidza kwako ndiko kwava kukupengesa iwe.” Pauro akati, “Handisi kupenga, changamire vanoremekedzwa vaFesitusi. Ndiri kutaura chokwadi nepfungwa dzakakwana nokuti mambo vanoziva zvinhu izvi uye ndinotaura kwavari ndakasununguka ndinonyatsoziva kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chaasina kuona nokuti hazvina kuitirwa pachikona. Nhai imi, Mambo Agiripa munotenda vaporofita here? Ini ndinoziva kuti munotenda.” Agiripa akati kuna Pauro, “Unofunga kuti angandiite muKristu nenguva pfupi yakadai here?” Pauro akati, “Ingave nguva pfupi kana refu zvayo, ndinotokumbira kuna Mwari, kuti kwete imi moga asi kuti vose vari kundinzwa nhasi uno vave sezvandiri, kunze kwecheni idzi chete.” Mambo akabva asimuka nagavhuna naBhenisi navavakanga vakagara navo. Pavakanga vabva vakataurirana vachiti, “Munhu uyu hapana chaari kuita chinokodzera rufu kana kuiswa mujeri.” Agiripa akati kuna Fesutusi, “Munhu uyu angadai asunungurwa zvake dai asina kuti mhosva yake ikwidzwe kuna Siza.”
Mabasa 26:24-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati aciɀiɗaʋirira saiɀoɀo, Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopeŋga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza. Asi Pauro akati: Handipeŋgi, Festo wakakurumbira; asi ndinotaura mashoko amaɀokwaɗi noʋucenjeri. Nokuti mambo wandinotaura naye ndisiŋgatyi, ʋanoziʋa iɀoɀi, nokuti ndinoziʋa kuti hapanecinhu caiɀoɀo cakaʋanzika kwaari, nokuti cinhu ici hacina‐kuitwa pakaʋanda. Mambo Agripa, munotenda ʋaprofita here? Ndinoziʋa kuti munotenda. Agripa akati kunaPauro: Uneŋge unoɗa kundiita mukristu neŋguʋa ɗuku. Pauro akati: Ndinonyeŋgetera kunaMŋari kana neŋguʋa ɗuku, kana nehuru, kuti musaʋa imi moga, asi ʋose ʋanondinzwa nhasi, ʋaitwe seni, asi ʋasine ɀisuŋgo iɀi. Ipapo mambo akasimuka, nomuɓati, naBerinike, naʋakaŋga ʋagere naʋo; ʋakaɓuɗa ʋakataurirana, ʋakati: Munhu uyu haaiti cinhu cakafanira rufu kana kusuŋgwa. Ipapo Agripa akati kunaFesto: Munhu uyu ɗai asina‐kuɀiisa kunaKesari uŋgaɗai asunuŋgurwa.
Mabasa 26:24-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)