PaKesaria pakanga pano mumwe murume ainzi Koniriasi, mukuru wezana weHondo yavaItaria. Iye nemhuri yake vakanga vakazvipira uye vaitya Mwari; aipa kwazvo kuna vanoshayiwa uye ainyengetera kuna Mwari nguva dzose. Mumwe musi panguva inenge yechitatu masikati akaona chiratidzo. Akanyatsoona mutumwa waMwari, uyo akauya kwaari akati, “Koniriasi!” Koniriasi akatarisa kwaari achitya, akati, “Chinyiko, Ishe?” Mutumwa akapindura akati, “Minyengetero yako nezvipo zvako kuvarombo zvakwira kudenga sechipiriso chechirangaridzo pamberi paMwari. Zvino tuma vanhu kuJopa vandodana murume anonzi Simoni, achinziwo Petro. Ari kugara naSimoni musuki wamatehwe, ane imba iri pedyo negungwa.” Mutumwa waakanga achitaura naye akati aenda, Koniriasi akadana varanda vake vaviri nomumwe murwi akatendeka uyo aiva mumwe wavachengeti vake. Akavarondedzera zvose zvakanga zvaitika ndokuvatuma kuJopa.
Verenga chikamu Mabasa 10
Terera ku Mabasa 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 10:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo