Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 10:1-8

Mabasa 10:1-8 SCLB

KuSezaria kwaiva nomumwe murume ainzi Koneriasi mutungamiriri wezana ramasoja wechikwata chainzi chikwata chamaTariyana, munhu aitya Mwari pamwechete nemhuri yake yose aiva noruoko rwokupa kwazvo kuvanhu uye aigara achinamata kuna Mwari. Paawa yechitatu yamasikati akanyatsoona muchiratidzo mutumwa waMwari achipinda maaiva achiti, “Koneriasi.” Akamutarisisa achitya akati, “Chiiko nhai Tenzi?” Mutumwa ndokuti, “Minamato yako nezvipo zvako kuvanhu zvakwira kudenga sechinhu chinoyeukwa pamberi paMwari. Zvino chitumira vanhu kuJopa vauye naSimoni anonzi Pita. Agere pamba paSimoni wamatehwe ane imba iri munyasi megungwa.” Mutumwa uya akataura kwaari paakaenda, akadaidza varanda vake vaviri nomusoja aida zvokunamata pakati pavanhu vaimushandira. Akati avarondedzera zvose akavatuma kuJopa.

Verenga chikamu Mabasa 10