Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 7:8-16

2 Samueri 7:8-16 BDSC

“Naizvozvo zvino, udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kwawaifudza makwai kuti uve mutongi wavanhu vangu vaIsraeri. Ndakava newe kwose kwawakaenda, uye ndakaparadza vavengi vako vose ndikavabvisa pamberi pako. Zvino zita rako ndichariita guru, richafanana namazita avakuru vari panyika. Uye ndichapa vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo uye ndichavasima kuti vave nomusha wavo pachavo kuti vasazokanganiswazve. Vanhu vakaipa havachazovamanikidzazve, sezvavakaita pakutanga nezvavakaita kubva panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu vaIsraeri. Ndichakuzorodzai kubva kuvavengi venyu vose. “ ‘Jehovha anoti kwauri Jehovha pachake achakumisira imba: Zvino kana mazuva ako akwana uye wazorora namadzibaba ako, ndichamutsa mwana wako kuti atore ushe hwako, achabuda mauri, uye ndichasimbisa ushe hwake. Iye ndiye achavakira Zita rangu imba, uye ndichasimbisa chigaro choushe hwake nokusingaperi. Ini ndichava baba vake, iye achava mwana wangu. Kana akakanganisa, ini ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurangwa kunoitwa navanhu. Asi rudo rwangu haruzombobva paari, sokubvisa kwandakaruita pana Sauro, uyo wandakabvisa pamberi pako. Imba yako noumambo hwako zvichagara pamberi pangu nokusingaperi; chigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.’ ”