2 Samueri 7:8-16
2 Samueri 7:8-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Naizvozvo zvino, udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kwawaifudza makwai kuti uve mutongi wavanhu vangu vaIsraeri. Ndakava newe kwose kwawakaenda, uye ndakaparadza vavengi vako vose ndikavabvisa pamberi pako. Zvino zita rako ndichariita guru, richafanana namazita avakuru vari panyika. Uye ndichapa vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo uye ndichavasima kuti vave nomusha wavo pachavo kuti vasazokanganiswazve. Vanhu vakaipa havachazovamanikidzazve, sezvavakaita pakutanga nezvavakaita kubva panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu vaIsraeri. Ndichakuzorodzai kubva kuvavengi venyu vose. “ ‘Jehovha anoti kwauri Jehovha pachake achakumisira imba: Zvino kana mazuva ako akwana uye wazorora namadzibaba ako, ndichamutsa mwana wako kuti atore ushe hwako, achabuda mauri, uye ndichasimbisa ushe hwake. Iye ndiye achavakira Zita rangu imba, uye ndichasimbisa chigaro choushe hwake nokusingaperi. Ini ndichava baba vake, iye achava mwana wangu. Kana akakanganisa, ini ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurangwa kunoitwa navanhu. Asi rudo rwangu haruzombobva paari, sokubvisa kwandakaruita pana Sauro, uyo wandakabvisa pamberi pako. Imba yako noumambo hwako zvichagara pamberi pangu nokusingaperi; chigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.’ ”
2 Samueri 7:8-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, Zvanzi naJehovha wehondo, “Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri; ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita guru, ringafanana namazita avakuru vari panyika. Ndichatarira vanhu vangu vaIsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavatambudzizve sapakutanga, nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu vaIsiraeri. Asi iwe ndichakuzorodza pavavengi vako vose. Uyezve Jehovha unokuudza kuti Jehovha uchakumisira imba. Kana nguva yako yasvika, iwe ukavata namadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako uchakutevera, uchabuda muhura mako, ndikasimbisa ushe hwake. Iye uchavakira zita rangu imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi. Ini ndichava baba vake, naiye uchava mwanakomana wangu; kana akazoita zvakaipa, ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurohwa kwavana vavanhu; asi nyasha dzangu hadzingabvi kwaari, sezvandakadzibvisa kuna Sauro, wandakabvisa pamberi pako. Imba yako noushe hwako zvichasimbiswa pamberi pako nokusingaperi, nechigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.”
2 Samueri 7:8-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino chienda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo, ndakakutora kumafuro kwawaifudza zvipfuwoka iwe kuti uve ishe wavanhu vangu, vaIsiraeri. Ndaiva newe kwose kwawaifamba, ndikakutsakatisira vavengi vako vose. Zvino ndichaita kuti zita rako rive nomukurumbira mukuru kwazvo sezvakangoita mazita avakuru vakuru vapanyika. Ndinotsvakira vanhu vangu vaIsiraeri pokugara, ndovasimapo kuti vagarewo pavo vasisambofuruswa, vaipi vasisambovatambudza sezvavaivaita kare kubvira panguva yandaisarudzira vanhu vangu vaIsiraeri, vatongi. Ndichakupawo zororo kuvavengi vako vose. Uyewo Tenzi anoti kwauri iye Tenzi ndiye achatokuvakira imba. Mazuva ako akange akwana, wafa waendawo kwakaenda vamwe kumadzibaba ako, ndichamutsa mushure mako mumwe mwana wako wauchabereka iyewe pachako. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi. Iyeyo ndiye anofanira kuvaka imba yacho yokuisa zita rangu. Ndichaita kuti umambo hwake hurambe huripo narini wose. Ini ndichange ndiri baba kwaari, iyewo ari mwana kwandiri. Kana akaita zvakaipa, ndichamutumira shamhu yavanhu yokumuranga achidakarirwa kurohwa navanhu. Asi handizobvisa mwoyo wangu paari sezvandakaita kuna Sauro wandakabvisa kuti iwe upinde. Imba yako hairove kwandiri, umambo hwako huchavako narini wose. Umambo hucharamba huri mumba mako.”
2 Samueri 7:8-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ɀino, unofanira kuti kumuranda waŋgu Davidi: Ɀanzi naJehova wehondo: Ndakakutora kumafuro, kwawakaŋga ucifudza makwai, kuti uʋe muɓati waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; ndikaʋa newe pose pawakafamba, ndikaparadza ʋaʋeŋgi ʋako ʋose pamberi pako; ndicakuitira zita guru, riŋgafanana namazita aʋakuru ʋari panyika. Ndicatarira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri nɀimbo, ndicaʋasima, ʋagare panɀimbo yaʋo, ʋarege kubviswa ɀe; naʋakaipa haʋaŋgaʋatambudzi ɀe sapakutaŋga, nokubva pazuʋa randakaraira ʋatoŋgi kuti ʋaɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. Asi iwe ndicakuzorodza paʋaʋeŋgi ʋako ʋose. Ʋuye ɀe Jehova unokuʋudza kuti Jehova ucakumisira imba. Kana ŋguʋa yako yaȿika, iwe ukaʋata namadziɓaɓa ako, ndicamutsa mumŋe worudzi rwako ucakuteʋera, ucaɓuɗa muʋura mako, ndikasimbisa ʋushe bgake. Iye ucaʋakira zita raŋgu imba, neni ndicasimbisa cigaro cake coʋushe nokusiŋgaperi. Ini ndicaʋa ɓaɓa ʋake, naiye ucaʋa mŋanakomana waŋgu; kana akazoita ɀakaipa, ndicamuraŋga neshamhu yaʋanhu, ʋuye nokurobga kwaʋana ʋaʋanhu; asi nyasha dzaŋgu hadziŋgabvi kwaari, seɀandakadzibvisa kunaSauro, wandakabvisa pamberi pako. Imba yako noʋushe bgako ɀicasimbiswa pamberi pako nokusiŋgaperi; necigaro cako coʋushe cicasimbiswa nokusiŋgaperi.
2 Samueri 7:8-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)