Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda. Kurangwa kwaakaitwa navanhu vazhinji kwakamuringana. Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya. Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari. Chikonzero chakaita kuti ndikunyorerei chaiva chokuti ndione kana makanga muchigona kumira nokuteerera muzvinhu zvose. Kana muchiregerera munhu upi zvake neniwo ndinomuregerera. Uye zvandakaregerera, kana pane chinhu chandingaregerera, ndakaregerera pamberi paKristu nokuda kwenyu, kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 2
Terera ku 2 VaKorinde 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 2:5-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo